
Rabota Klyucha Na Induktivnuyu Nagruzku
KUUNGANA kunoita vanhu vaMwari pamagungano vachidzidziswa naJehovha kunofadza chaizvo. Mufaro wacho unobva wawedzera pavanodya pamwe chete. Muna September 1919, Vadzidzi veBhaibheri vakaita gungano remazuva 8 kuCedar Point, Ohio, U.S.A.
Rabota vo grcija. Javete se na 357 nabrzo intervju vo skopje so menager od grcija potocno na 11 i 12 fevruari. Pozdrav Angelina. Anonymous 09 Feb 2009, 11:21 - Report. These Forums are no longer active. To post a new discussion, please visit our new Greece Forums. Optimumcut crack torrent free. Summer jobs in Greece. Hi we need season job.
Pakarongwa kuti vanhu vaiuya kuzopinda gungano vagare mumahotera vachidyira imomo, asi kwakazouya vanhu vakawandisa kupfuura vaitarisirwa. Pane imwe hotera, mahweta echirume neechikadzi akatomboramwa basa paakaona vanhu vakawandisa vaida kupiwa zvokudya. Apererwa nezano, maneja wavo akakumbira kana zvaiita kuti vechiduku vakanga vauya kugungano vabatsire, uye vakawanda vakabvuma.
Mumwe wacho aiva Sadie Green. Hanzvadzi iyi yakati, “Ndakanga ndisati ndamboshanda sahweta, asi takanakidzwa chaizvo.”. Sierra Leone, 1982 Mumakore akatevera, kubikwa kwaiitwa zvekudya pamagungano kwakaita kuti vakawanda vawane mukana wekubatsira hama nehanzvadzi dzavo. Vechiduku vakawanda vakabatsirwawo kuti vave nezvinangwa zvokunamata pavaishanda nevamwe vaKristu. Gladys Bolton aishandawo kudhipatimendi rokubika pagungano rakaitwa muna 1937. Akati, “Ndakasangana nevanhu vaibva kune dzimwe nzvimbo uye vakataura kuti vaikunda sei matambudziko avaisangana nawo. Ipapo ndipo pandakatanga kuva nechido chokupayona.” Beulah Covey uyo akapinda rimwe gungano akati: “Kushanda nesimba kwaiita vanhu pabasa iri kwaiita kuti rifambe zvakanaka.” Asi basa racho rakanga risiri nyore.
Pane rimwe gungano rakaitwa paDodger Stadium kuLos Angeles, California muna 1969, Angelo Manera akaudzwa atova pagungano kuti ndiye ainge anzi atungamirire pakubika zvokudya. Akati, “Musi uyu hana yangu yakarova zvaisina kumboita!” Rimwe basa raifanira kuitwa paigadzirirwa gungano iri raiva rokuchera mugero wainge wakareba mamita 400 waizoiswa paipi yaitakura gasi raizoshandiswa kukicheni. Frankfurt, Germany, 1951 KuSierra Leone muna 1982, hama dzaizvipira kushanda dzakatanga dzabvisa masora nemarara, dzichibva dzavaka pokubikira dzichishandisa zvinhu zvaiwanikwa munharaunda yacho.
KuFrankfurt, Germany, muna 1951, hama dzakahaya chitima chaishandisa sitimu uye sitimu iyoyo ndiyo yaishandiswa kudziyisa mapoto 40 okubikira. Vanhu 30 000 vakapakurirwa zvokudya muawa imwe chete. Kuti basa racho risanyanya kuomera vanhu 576 vaishanda kudhipatimendi rokusuka, vanhu vakapinda gungano racho vakauya nemapanga nemafoku avo.

KuYangon, Myanmar, vaibika havana kuisa masipaisi akanyanya kuwanda muzvokudya zvaizopiwa hama nehanzvadzi dzainge dzabva kune dzimwe nyika. Annie Poggensee akakurudzirwa chaizvo paakanga akamira pamutsetse wezvokudya pane rimwe gungano rakaitwa kuUnited States muna 1950 kunyange zvazvo zuva raipisa. Anoti: “Ndakabatikana nezvaitaurwa nedzimwe hanzvadzi mbiri dzainge dzabva kuEurope nechikepe.” Vaiudzana kuti vakanga vabatsirwa sei naJehovha kuti vapinde gungano racho. “Hapana mumwe munhu wandakaona achifara sezvaiita hanzvadzi mbiri idzodzo,” akadaro Annie. “Kwaipisa chaizvo uye vakatora nguva yakareba vakamira pamutsetse, asi havana kana kumbozvinzwa.”. Seoul, Korea, 1963 Pamagungano makuru akawanda, paiva nemazitende akakura uye mumatende iwayo maiva nematafura akanga akakwirira zvokuti vanhu vaitodya vakamira.
Izvozvo zvaiita kuti vakurumidze kupedza kudya zvopawo vamwe mukana. Iyi ndiyo nzira chete yavaigona kushandisa kuti vape vanhu vakawanda kudaro zvokudya panguva iyoyo yokuzorora. Mumwe murume akanga asiri Chapupu akati: “Vanhu vechechi iyi vakaoma. Vanodya vakamira.” Vakuru vakuru vemasoja nevamwe vanhu vemuhurumende vakashamiswa chaizvo nokurongeka kwainge kwakaita zvinhu. Pashure pokunge vaongorora zvaiitika kudhipatimendi redu rokubika paYankee Stadium kuNew York City, vakuru vakuru veUnited States Army vakakurudzira Major Faulkner weBritish War Department kuti azoongororawo zvaiitika.
Saka iye nemudzimai wake vakauya kugungano ra1955 raiva nemusoro waiti “Umambo Hunokunda” rakaitirwa kuTwickenham, England. Akataura kuti rudo ndirwo rwaiita kuti basa rifambe paibikwa zvokudya.